Zimbabwe News

Whatsapp Update: Hwindis in Harare plan a demonstration against police – Whatsapp chat leaked

Hwindis in Harare have angrily reacted against the police saying they disagree with the plans to relocate the terminus. They say the government must now throw the baby with the bath water, and if the government does not listen, they will be joining protest group Tajamuka. Below was their statement written in Shona:

touts-arrests

Chiziviso!

27/09/2017

Mahwindi ose emuHarare anowanikwa pana fourth,market square, Copacabana, Rezende nedzimwe nzvimbo dzirimuguta reHarare, tinokuzivisai zvakabuda mumusangano watakaita nezuro manheru ano musi weChitatu neNguva dza8pm.

1) Chekutanga tinoti tinehurombo nekushaya kwakaita Baba vakafira pana fourth bus terminus. Tineurombo nemhuri yakashaikirwa naBaba ava.

2) Tinoda kuzivisa mahwindi vose vauya nevasina kuuya kumusangano uyu kuti atisi kuwirirana nehurongwa hwemutauriri wemapurisa vaCharity Charamba pamwe naMinister Chikukwa hwekuda kubvisa mahwindi ose muHarare nekuda kwetsaona yakaitika.

3) Hakuna mabasa uye hatina kubira vanhu. Hatingarashi mwana pamwechete nemvura yashandiswa kumugezesa. Vakauraya ndovanosangana nemutemo. Ingawani Hurumende inoshaisha zvakawanda asi hapana akabva atongera nyaya yaMinister umwe pamaMinister ose.

4) Naizvozvo tawirirana kuti isu maHwindi tichajamuka kutanga musi weChishanu pachirongwa chadaidzirwa nevakomana veTajamuka nemayouth eOpposition. Nyika ino haina mabasa vamwe tava nemakore anodarika makumi mapfumbabwe tikaendesa vana kumaUniversity nekuvaka dzimba nekuda kwechihwindi.

Mahwindi tasvinura manje.

Ngatijamukewo musi wechishanu

Mahwindi ose tichaudzana patosangana pakudoka kwezuva reChina tozobva takabatana kuratidza hushingi. Toda kuvaratidza kuti hondo nemahwindi neTajamuka haimisike zvekumhanya.

Back to top button